Shona translation of About Vaccines
Mishonga yekudzivirira inoponesa mamiriyoni maviri kana matatu evanhu pagore. Chero kupi kukaita vana vasina kubaiwa mishonga yokudzivirira, nharaunda dzinopinda panjodzi.
Chii chinonzi mushonga wekudzivirira?
- Mushonga wekudzivirira, unenge uri majekiseni ekubaya nekudonhedzera ayo anodzivirira kubva kuzvirwere zvakakomba.
- Mushonga unobatsira vanhu kuti vanzwe zvirinani kana varwara. Mishonga yekudzivirira inoita kuti vanhu vasatombobatwe nechirwere.
- Mishonga yekudzivirira yakawanda inopihwa kuvana vacheche nokuti zviri nyore kuti vana vacheche varware, asi mishonga yekudzivirira inochengetedza zvehupenyu hwose.
- Mushonga wekudzivirira wose une chirwere chaunotodzivirira saka zvakakosha kuti utorwe wose wakakwana. Mishonga yekudzivirira inoshanda sei?
- Mishonga yekudzivirira inopa mwana wako masimba makuru okurwisa zvirwere zvose zvine ngozi.
- Mishonga yekudzivirira inodzidzisa muviri wemwana wako kuti uzive nekurangaririra utachiona hunoita kuti varware. Mwana akabaiwa mushonga wekudzivirira akazosangana neutachiona hune ngozi, mushonga uya unobva wakasika kuziva nokurwisa utachiona huya.
- Mishonga yekudzidzivirira unodzidzisa muviri kuti urwise zvirwere.
Chokwadi chishanu chezve mishonga yokudzivirira
Mishonga yokudzivirira yakanaka uye inoshanda.
Miaro amin'ny areti-mandoza ny vaksiny.
Kanpa cuerpo asha sinchi kakpipash vacunakuna ashtawanmi sinchiyachin.
Wakin vacunakunata cuerpopi churanaka ashtawanmi ayudan.
Vacunakunata churanata sakikpika kutinmi unkushun.