FAQS Illustration 320x173.png

Chikamu chezivo yeMishonga

  1. Ndinoitasei kana ndikakanganwa kudzokera kuna mukoti pazuva rinotevera rekupihwa mushonga? Kana ukaona watadza kunobaiwa mushonga wekudzivirira, endesa mwana wako kukiriniki nekukurumidza.

  2. Mwana wangu anofanira kupihwa MR vaccine here kana agara achitorwara negwirikwiti? Hazvisi nyore kuziva gwirikwiti. Kuti zvinake, endesa mwana wako kuti anobaiwa mushonga wedziviriro chero uchifungidzira kuti atova naro gwirikiti.

  3. Ndinoitasei kana ndikarasa chinyorwa chezve dziviriro yemwanasikana wangu? Enda kuna mukoti kana vanoona nezveutano kwakabairwa mwana wako mushonga wedziviriro wokumbira kadhi ritsva. Kana mukoti akanyora nezve majekiseni emwanasikana wako pasi, anokwanisa kunyora ekare omanyora pakadhi nyowani.

  4. Ndinoitasei kana ndikafungira kuti mwana wangu ane gwirikwiti? Kana uchifungira kuti mwana wako ane gwirikwiti, unofanira kumuendesa kuna mukoti kana chiremba kuti aongororwe. Dzivisa kusangana nevamwe vana kunyanya vacheche avo vanenge vasati vabaiwa mishonga yedziviriro.

  5. Ndinofanira kuita sei kana mwana wangu ava negore rimwe chete uye asati abaiwa mushonga wekudzivirira gwirikwiti? Hakuna muganhu wezera pakuwana mushonga we dziviriro yegwirikwiti. Kana mwana wako aine mwedzi gumi nembiri apo asati awana mushonga wekutanga, unofanira kumuendesa kuchipatara kuti apihwe mushonga wedziviriro.

  6. Mwana wangu anofanira kupihwa mishonga yedziviriro kana achirwara here? Bvunza chiremba kana mukoti. Chiremba kana mukoti wako akati zvinoita, mwana anokwanisa kubva abaiwa mushonga wedziviriro. Kurwara zvishoma hakufanire kudzivirira mwana kuti abaiwe jekiseni rokudzivirira.

  7. Ndaifunga kuti mishonga yokudzivirira ndeye vana vacheche ne vana vadiki chete. Sei vanhu vakuru vachifanira kuwana mishonga yokudzivirira? Vana pavanokura, imwe mishonga yokudzivirira inopera simba. Mimwe mishonga inofanira kupihwa kuitira kuwana kudzivirirwa kubva kune zvimwe zvirwere.

  8. Mishonga yekudzivirira inoita kuti mwana azotadze kuita vana paramangwana here? Mishonga yekudzivirira yakanaka. Haidzivirire mwana kuti azoite vana vakewo paramangwana rake.

Zvapfuura Zvinotevera