06 Student Expert.png

lta Mwana weChikoro ane Hunyanzvi Hwekuziva nezve COVID-19

Coronavirus ne COVID-19 zvakasiyanei?

Coronaviruses anenge ari chikomberedzwa chemhuri yemaviruses anokonzera chirwere pamunhu. COVID-19, pamwe chete neSARS, MERS, maviruses anokonzeresa dambudziko rekufema mumunhu.

Ndezvipi zviratidzwa zveCOVID-19?

  • Kupindwa nechando zvakanyanya pamwechete neku piswa.
  • Kubuda madzihwa
  • Kukosora
  • Kuneta zvisinatsanangudzo
  • Kusagona kufema zvakanaka

COVID-19 inopararira sei?

COVID-19 inopararira paunobuda donhwe pakufema. Munhu paanofema, kukosorora, kana kuhetsura anobuditsa zvidomhwe izvo zvinozoenda mumhepo apo umwe munhu anobva azvifema. Zvidomhwe izvi pazvinodonha paunoshandirwa, zvinokwanisa kuramba zvichirarama panoshandirwa nemunhu. Munhu iyeye anokwanisa kuzopabata obva abata kumeso, muromo, maziso, kana mhin yake. lzvi ndizvo zvinoita kuti vanhu vakurudzirwe kugara kure nevamwe uye kuti vanhu vageze maoko nemvura ine sipo.

Chii chinonzi denda (pandemic)?

Badzi reWorld Health Organization kana kuti WHO, rakati COVID-19 idenda musiwa 12 Kurume, 2020. Izvi zvinoreva kuti chirwere ichi chakatekeshera pasi rose, kunyika dzakasiyana-siyana.

Chii chinonzi kugarisana kure ne kure?

Zvinoreva kugara kure kana kuti kusaenda kunosangana nevanhu vakawanda apo uchisiya mamita matatu kana mita rimwe chete pakati pako nevamwe kuitira kuti COVID-19 isapararire. Uyezve, pakumhoresa munhu, siya mamita iwayo uye usamhorese, kutsvoda, kana kumbundira munhu. Usafarire kukwira mota dzinokwirwa neruzhinji. Kana uchirwara, gara kumba. lzvi zvinosanganisira hama neshamwari dzausingagare nadzo. Taurai mese parunhare chete.

Zvinorevei kuti asymptomatic?

Zvinoreva munhu anenge achiratidza kuva nehutano asi iye aine chirwere. Munhu uyu anokwanisa kutopomera vamwe. Chero vanhu vasingataridzike kurwara vanokwanisa kutapurira vamwe COVID-19. lchi ndechimwe chekuzvikonzero zvekuti vanhu vagare kure nekure.

COVID-19 inogara kusvika rinhi uye ndinokwanisa kuibatira papi?

Zviratidzwa zveCOVID-19 zvinowanzotora mazuva mashanu kana manomwe asi unokwanisa kuramba uchitapurira vamwe. Inotora mazuva mairi kusvika kugumineina usati watanga kunzwa kurwara. Zvisinei, vanhu vanokwanisa kutora mavhiki maviri kana kupfuura vachingorwara zvichienderanawo nemakore kana hutano hwemunhu. Vose vanonzwa kurwara vanofanira kugara kwavo vega.

Ndoitasei neruzivo urwu?

Nekuti zvino wave mazvikokota chipawo mazano kushamwari ne hama!

Zvapfuura