10 IOGT red ribbon illustration 320x173.png

Shona translation of Living with HIV in the time of COVID-19

Vanhu vari kurarama neHIV vari panjodzi yakanyanya yekubatira COVID-19 here?

Zvakaongororwa kuti, vakura neavo vane zvimwe zvirwere zvavainazvo vanogona kuvhiringwa nechirwe che COVID19 nekuti masoja ano dzivirira zvirwere mumiviri yavo anenge aka rukutika. Saka zvakakosha kuti, vatevedzere yambiro yeku dzivirira uye vakasike kutsvaga rubatsiro kana zvoda kuratidza sevabatwa nechirwere ichi. 

Ndingaitesei kuti ndigadzirire? - Chengetedza mushonga wako unokwana mazuva makumi matatu nguva dzose. - Chengetedza mushonga wako weHIV (antiretrovials or ARVs) unokwana mwedzi mitatu kusvika kumitanhatu panguva ino yokufanira kugara pamba. Kana usina apo usingakwanise kuti umawane, taura naChiremba wako maererano nekuziviswa kuti ungaitasei.

  • Usapota uchi darika manwirwo emishonga yako akatara nekuda kuti ishande nguva yaka wedzera.
  • Haasi ese maARVs akafanana, saka usamwe mapiritsi eumwe munhu.
  • lva nechokwadi kuti mushonga wako (ukuenderana) uri kuenderana nemazuva.
  • Ita kuti umwe munhu auye kuzokubatsira ukanzwa kurwara kana kuti usisagone kufamba.
  • Gara waona kuti unokwanisa kutaura nevehutano parunhare.
  • Gara wakachengetedzeka zvakanaka uye ugare uchitaura nemhuri yako, shamwari, nevamwewo vanokwanisa kukubatsira.

Kana ndikabatira COVID-19 ndichirwara neHIV, ndiri panjodzi yakanyanya yokurwara nekufa here?

Kuchiine zvakawanda zvisati zvozivikanwa navana mazvikokota ve utano naana chiremba maererano ne chirwere che COVID19, kusanganisa mubvunzo uri mudariro. Asi kuno zivikanwa kuti vane utano hwaka rukutika vano wanikwa miviri yavo ichi tambudzika kurwisa utachiona nezvirwere zvino sanganisira COVID19. Pasina maARVs, HIV inorwisa nekuuraya muviri wemunhu. Ndizvo zvakakoshera kuramba uchimwa maARVs ako kuti uve nemuviri wakasimba.

Is it still safe to go to the hospital or attend my clinic appointment?

Mhinduro kumubvunzo uyu inoenderana nenyika yauri. Chekutanga, unofanira kutanga kunobvunza zvaungaita kukiriniki yemunharaunda yako. Kana zvichikwanisika, unokwanisa kushandisa runhare kana kiriniki yacho iri kure. Mudzimwe nyika kana muviri uchinzwa zvakanaka, hauna chikonzero chekuenda kukiriniki zvakanyanya. Unokwanisa kupihwa mushonga wako wemaARVs wakawanda chete. Fonera kiriniki yako pachine nguva kuti uwane kutaura nachiremba parunhare. lva nechokwadi kuti kiriniki ine nhamba dzako dzefoni chaidzo kuitira kuzokufonera. lwe pachako ona kuti une nhamba dzekiriniki chaidzo kuitira ukazoda kuvafonerawo. Kana ukada kuenda kukiriniki uchishandisa mota dzinokwirwa neruzhinji, tevedzera mirairo yese yekudzivirira COVID-19. Izvi zvinoita kuti ugare wakachengetedzeka. Unofanirwa kuva netsamba yekukiriniki - vhunza kiriniki yako kana zvakafanira.

Ndinoitasei kana maARVs angu ava kupera?

Kana maARVs ako akupera, zvakangonaka kuti ufonere kiriniki yako kana vamwewo vanoona nezvehutano kuti vakuraire maererano nezvaunokwanisa kuti kuti ubatsirike. Mienzaniso yezvaungaite, kuvigirwa mapiritso ako kumba kana kumirira kugoverwa munharaunda yenyu. Kana zvichiita, kumbira kupihwa maARVs akawanda uye anokwana mwedzi mitatu - kunyanya kugara pamba kusati kwatanga. Kana vaunogara navo vakazovhakachirawo vakumbire kuti vakuvigirewo maARVs ako ndokunge vachiziva nezvazvo. Kana uchida kunotora mishonga yako yema ARV kukiriniki, tevedzera tsananguro dzakatarwa dzekuzvi dzivirira kuutachiona.

MaARVs anokwanisa kurapa COVID-19?

Kusvika ikozvino, hapana mushonga unodzivirira kana kurapa COVID-19. Kazhinji kacho kana chirwere ichi chisina kunyanya kupinda mumuviri uye kana marwadzo achigona kubatsirika vanhu vanowanikwa utano hwavo huchi dzokedzana. Mushonga unodzivirira nekurapa uchiri kutsvagwa.

Zvinoita here kutsvoda, kumbundira kana kuenda pabonde?

Kusangana nemate emunhu pakutsvodana kana kubatana navo zvakaita sekumbundira, nekutsvodana kunoita kuti kutapurirana kweCOVID-19 kuve nyore. COVID-19 inotapuriranwa nemadomhwe anobvakumhino kana kuti kumuromo panokosora kana kuhetsura iwe uri padhuze. Zvisinei, hakuna zvinoratidza kuti COVID-19 ino tapuriranwa nebonde. Kana iwe nemudiwa wako muchigara mumba imwe, muchitevedzera mirairo yekuzvichengetedza kubva kuCOVID-19, zvinoita hazvo kuti muende pabonde mese muchishandisa zvidziviriro zvakaita semacondom. Kana usisina mapiritsi nema condom iwe uchienda pabonde,fonera kiriniki yako kuti uwane mamwe.

Kana ndikavhenekwa COVID-19, ndinofanira kuvaudza kuti ndine HIV here?

lkodzero yako kuita zvaunoda, haufanire kunzwa kumanikidzwa kuvaudza. Zvisinei, kuvaudza kunovabatsira kuti vaone kuti wawana rubatsiro rwakakwana. Rangarira kuti kune mutemo unokupakodzero yekusataura zvakavanzika uyo wavanofanira kutevedzera.

Nhengo yemumhuri mangu yakanditsamwira - ichindipopotera nezve kuva neHlV kwangu. Ndiri kunzwa kutya kuti vangangondikuvadza asi hatingakwanise kubva pamba. Ndoitasei?

COVID-19 iri kupa kutya, kushushikana, nekufungisisa, asi mhirizhonga haina kunaka. Kana uchiona kuti panokwanisa kuitika zisina kunaka kana kuti uri kurohwa, unofanira kutsvaga rubatsiro nekubva pamba ipapo. Rangarira kuti haisi mhosva yako. Zvinokwanisa kuoma kuziva kwekuwana rubatsiro. Funga munhu waunovimba naye anokwanisa kukubatsira. Kumbira kiriniki yako kana vanoona nezve kubatsira kuti vakubatsire.

Unoda rumwe ruzivo?

  • Rimwe ruzivo rwezvehutano hwepabonde unoruwana pa IPPF Blog.
  • Ruzivo rwekuchengetedza hutano hwepfungwa pakati peCOVID-19 unorwuwana pa UNICEF article.
  • Ruzivo rwenhumbu nokuyamwisamukaka pakati peCOVID-19 vakachira:WHO ne [UNICEF South Africa] (https:// //www.unicef.org/southafrica/reports/coronavirus-covid-19-during pregnancy).
  • Kutoita ipapo, vhakachira Voice of Youth
Zvapfuura Zvinotevera