09 AntiDiscrimination.jpg

How to Prevent Discrimination & Misinformation

Unoita sei nemunhu ari kushambadza manyepo?

Vanhu vakawanda varikushushikana nokufungisisa panguva ino - panguva yekuoma iyi, vanhu vakawanda vanofambisa ruzivo rwekunyepa. Kakawanda kacho, havaite izvi nokuda asi kuti vanenge vachitoyedza kubatsira - asi havangozive kwekuwanira ruzivo.

Zvekuita kana munhu wemumhuri kana shamwari iri kutenderedza manyepo:

  1. Unokwanisa kutaura naye muri mega pokutanga nokuti anokwanisa kukuterera kana akasanyadziswa pavanhu.
  2. Usamunongedzera kuti ari kufambisa mashoko ekunyepa. Chitomurairawo kuti mashoko avo haaite kunge abva kune vezveutano.
  3. Vazivise vese vanoziva nezveutano vakaita seUNICEF ne World Health Organization wobva wavakurudzira kuti vateedze sangano idzi kuti vagare vachizviziva zviri kuitika zvechokwadi."

Zvekuita kana munhu achikurudzira kusarudza.

Kusarudza ne Xenophobia hakukurudzirwe pakati pechirwere ichi. COVID-19 inokwanisa kubata chero munhu uyezve munhu wese zvisinei nekwaunobva, chimiro chako, kana kuti une makore mangani. Vanogara munyika dzevamwe zvisiri pamutemo (migrants nema refugees) ndivo vari panjodzi yekubata chirwere ichi zvakanyanya. COVID-19 haisirudze, chero kupindura kweduwo hakufanire kusarudza.

Toitasei kana munhu wemumhuri kana shamwari ichitaura nezvekusarudza:

  1. Zvakare, taura navo muri mega - parunhare kana meseji. Vanokwanisa kunzwisisa kana vakasanyadziswa pavanhu.
  2. Vanyeurire kuti chirwere ichi chinobata munhu wese uye hachisi cheboka rimwe chete.
  3. Vanyeurire kuti kupomera chirwere ichi kuboka rimwe chete kune magumiro akashata zvinokwanisa kukurudzira mhirizhonga nekudzivirira vanhu kunotsvaga rubatsiro kuzvipatara pavanenge vakafanirwa. lzvi zvinoita kuti chirwere chacho chirambe chichitapukira kwakawanda.
  4. Varangaridze kuti nguva dzakadai, tinofanira kukurudzira nekutsigira mutsa netsitsi pakati pedu - chero tichitya.
Zvapfuura Zvinotevera