Baba and Me_Shona 1

Ini naBaba

Ini nababa inyaya inoratidza kudada kunoita Tariro nababa vake. Baba vake vanokwanisa kuita zvinhu zvakawanda kwazvo vachishandisa wheelchair.

Baya pano kuti uverengerwe bhuku rino Kana kuti dzika pasi uzviverengere.

If you cannot view the above video, you can instead download it.

Baba and Me_Shona 4

Kana ndikanzi ndisarudze Baba kana chikafu chandinofarira, ndinosarudza Baba. Baba ndiyo shamwari yandinodisisa pasi pese.

Baba and Me_Shona 6

Kana ndapedza chikoro, ndinomhanyira kumba kunotamba. Baba vanogara vakamirira kuti vandisimudze. “Ndave kusvetuka, ndibatei baba.” Ndinosvetukira mumaoko ababa.

Baba and Me_Shona 8

Unozviziva here kuti baba vanogona kuridza ngoma neruoko rumwechete? Tinodzidzira kuimba tese mazuva ese, nekuti tiri kuda kuita mukurumbira.

Baba and Me_Shona 10

“Tariro, ngoma inoti ndi ndi ndi.” “Iwe chiridzawo zvino.” “dii dii dii.” Baba vati ndiri kugona chaizvo.

Baba and Me_Shona 12

Ndinofarira kutamba kana tapedza kuridza ngoma. “Baba tarisai, ndinosvetuka nekuzvonyongoka.” Baba vari kuseka ndichizvonyongoka nekusvetuka ndichienda mudenga.”

Baba and Me_Shona 14

Dzimwe nguva ndinokwira muwheelchair yababa Toita sekuti wheelchair yavo imota “Huyai baba, tinogona kuenda kure kwazvo. mota yangu inomhanya chaizvo. Wiiiiiii.”

Baba and Me_Shona 16

“Uri kudhirowei?” Ndinoedza kudhirowa mufananidzo wakanaka, asi ndinoita mufananidzo unosetsa. Baba vanoti mufananidzo wangu wakanaka.

Baba and Me_Shona 18

Baba vanondinakidza kana vachindiverengera. Vanoverenga nemazwi akasiyana-siyana zvekuti ndinoseka zvikuru. Pamwe pacho vanotevedzera izwi rangu. “Baba munoita kunge inini.” Tese tinoseka.

Baba and Me_Shona 20

Tapedza kutamba, ndave kuda kudya. “Baba ndibikireiwo bota randinofarira.” Baba vanobika bota rine dovi.

Baba and Me_Shona 22

Tinogara pasi tichifurwa nemhepo. Vanondinanzvisa tushoma paruoko.

Baba and Me_Shona 24

Kana ndikanzi ndisarudze baba kana chikafu chandinofarira, Ndinosarudza baba. Baba nguva dzese.

Baba and Me_Shona 28
Zvapfuura