I miss my Mama_Shona 1

Ndiri kuda mhamha vangu

Bhuku iri riripo kukurudzira mubereki, kana mumwewo munhu anochengeta mwana kuti agamuchire kuti kuratidza kurwadziwa, kurasikirwa nekusuwa zvimwe zvezvinhu zvinowanikwa.

Baya pano kuti uverengerwe bhuku rino Kana kuti dzika pasi uzviverengere.

If you cannot view the above video, you can instead download it.

I miss my Mama_Shona 4

Chipo! Uri kuchemei?

I miss my Mama_Shona 6

Ndiri kuda mhamha vangu!

I miss my Mama_Shona 8

Chipo – mhamha vako vakaenda kupi?

I miss my Mama_Shona 10

Mhamha vangu kani! Vairwara vachibva vafa. Havasi kudzoka. Ndiri kuda mhamha vangu!

I miss my Mama_Shona 12

Sori Chipo. Unogona kutamba naSpookie. Spookie anoita kuti ufare.

I miss my Mama_Shona 14

O! Chipo, tora bhisikiti iri. Bhisikiti rinonaka Chipo.

I miss my Mama_Shona 16

Handidi! Ndiri kuda mhamha vangu chete!

I miss my Mama_Shona 18

Huya kuno Chipo. Handei kuna Mai Moyo.

I miss my Mama_Shona 20

Mai Moyo vakati, “Chii nhai Chipo?” Chipo akati, “Ndiri kuda mhamha vangu!”

I miss my Mama_Shona 22

Mai Moyo vakati, “Ndinozviziva Chipo. Hapana chakaipa kushatirwa, nekusuwa kana kuchema kana tafirwa nemunhu watinoda.”

I miss my Mama_Shona 24

Neniwo mhamha vangu vakafa. Ndakachema zvisingaite… Tete vangu vakandimbundira vakati kuchema haisi mhosva.

I miss my Mama_Shona 26

Baba vangu vakafa mutsaona. Pandaichema husiku, Gogo vangu vaindiimbira kusvika ndarara.

I miss my Mama_Shona 28

Baba vangu vanondiimbira kana ndakasuwa. Vanondiudza kuti mhamha vaindida zvikuru.

I miss my Mama_Shona 30

Chipo akasimudza musoro. Akabva aona baba vake vauya kuzomutora. Akamhanya akanowira mumaoko ababa vake.

I miss my Mama_Shona 32

Vasvika kumba vakatarisa zvinhu zvavafungisa mhamha vaChipo.

I miss my Mama_Shona 34

Manheru, baba vakafukidza Chipo vakamuimbira chimbo chaanofarira asati arara.

I miss my Mama_Shona 40
Zvapfuura Zvinotevera