03 Myths.png

Nhoorondo

Chokwadi

Coronavirus inongotapurika zvisinei nenharaunda. Dziviriro yakanakisa inosanganisira kugeza maoko ako nemvura ine sipo kana chigadzirwa chine doro mukati.

Chokwadi

Vanhu vasingaratidzike utachiona kusanganisira vana, vanotokwanisa kutapurawo utachiona uhwu. Nekudaro, zvakakosha kutapudza kusangana nevanhu nekugeza maoko ako kakawanda.

Chokwadi

Hakusati kwava neruzivo kana umboo hwunoti chirwere ichi chitsva checoronavirus chinokwanisa kutapurwa neumhutu.

Chokwadi

Hakusati kwava nemushonga unokwanisa kudzivirira kana kurapa coronavirus.

Chokwadi

Mishonga inorwisa mabhakitiriya haushande pakurwisa utachiona hwe coronavirus, asi bhakitiriya chete.Zviratidzo zve coronavirus zvinorapwa zvakasiyana-siyana.

Chokwadi

Munhu wese anokwanisa kubatira hutachiona hwe coronavirus. Vanhu vakuru nevagara vaine zvirwere zvakaita se chirwere cheshuga, hypertension ne chirwere chemoyo vari panjodzi zvakanyanya.

Chokwadi

Chero hazvo COVID-19 yakatangira kuChina, chirwere ichi hachina kungopararira kuvanhu vamwe chete kana nzvimbo imwe chete. Utachiona uhwu hauremekedze muganhu wenzvimbo dzinza, makore emunhu, kusaremara nekuti uri mukadzi kana murume here.

Chokwadi

Kupfaya doro kana chlorine pamuviri wako wese hakuuraye utachiona hunenge hwatopinda mumuviri. Kupfaya zvinhu izvi kunokwanisa kukuvadza. Shandisa madisinfectants kuchenesa maficha sezvinokurudzirwa.

Chokwadi

Munhu wese anokwanisa kubatsira pakuchengetedza mhuri neshamwari dzake kuti vasarware.

Unokwanisa kubatsira kusapararira kwe chirwere ichi kupfurikidza nekugara kure neruzhinji rwevanhu, kugeza maoko ako uchishandisa mvura nesipo kakawanda, kusabata kumeso, kukosorera kana kuhetsurira pagokora nekugara kumba pose paunokwanisa.

Zvapfuura Zvinotevera