01 About coronavirus.png

Nezve Coronavirus

Chii chinonzi Covid-19?

Chirwere cheCoronavirus 2019 (Covid-19) - 'CO' inomirira corona 'VI' inomirira virus, 'D' inomirira (disease) hosha - Chirwere ichi chinokonzerwa ne utachiona hutsva hwe coronavirus.

Ndezvipi zviratidzo zve COVID-19? Zviratidzwa zvinosanganisira:

  • kupisa uye kupindwa nechando pamwechete
  • chikosora chinoomesa pahuro
  • kusagona kufema zvakanaka
  • kunzwa kuneta-neta zvisina tsanangudzo

Kana chirwere ichi (chapfurikidza) chanyanyopinda mumuviri, chinokonzera mabayo nekusagona kufema zvakanaka. Zvisinei, kashoma kuti chirwere ichi chiuraye.

Chirwere ichi chinoita seche dzihwa ne chikosoro chemazuva ose saka zvakakosha kuti anocherechedzwa kuchipatara. Zvakakosha kurangarira kuti madziviriro anoitwa COVID-19 anongova mamwe chete awo anosanganisira kugeza maoko. (kuvhara muromo negokora kana tishu kana uchinge wakosora kana kuhetsura uye nekuzokanda tishu rawashandisa mubhini.) Kana woda kukosora kana kuhotsira unoshandisa ruoko wakaru ronyesa kana mapepa emhando yeku shandisa muchimbuzi wobva vaararira maka chengetedzeka. Uyezve, kune dziviriro yechikosoro saka zvakakosha kushandisa dziviriro iyi kuti- uzvichengetedze pamwe chete nevana vako.

COVID-19 inopararira sei?

Chirwere che COVID-19, chinopararira kana zvidomhwe zvemate emunhu ane COVID-19 zvikaenda pauri paanenge achikosora kana kuhetsura. Zvidomhwe izvozvo zvinotapukira mumuromo, mumhino, kana mumaziso memunhu ari padhuze.Vanhu varipedyo vanokwanisa kubatira chirwere ichi vakabata paenda zvidomhwe izvi vozobatazve mhino, muromo, nemaziso.

Chirwere ichi chinogona kuparadzira nemhunu ave neutachiona hwacho asi iye asati oziva kuti anahwo.

Zvapfuura Zvinotevera