Machengeterwo eVana Vanorarama neHurema

Vese vana vanorarama nehurema, vanoda rudo, ruremekedzo, kudzidziswa, ne nguva.

1. Chengeta mwana wako zvaka chengetedzeka.

Chengeta nhamba dzenhare dzedambudziko paunokwanisa kudziona zviri nyore sepafiriji.

2. Iva uno kurudzira, nekunzwira tsitsi, uyezve nerudo.

Mwana wako anogona kusava nerutsigiro rwaanowanzowana, uye izvi zvinogona kukonzera Mamwe matambudziko akaita sekuwedzera kwekunetsekana, nekuungudzika. Shandisa zvinobatika nekutaura murutsigiro kuti mwana wako anzwe kua anogashirwa nekudiwa. Kukurudzira nemaitiro emuviri, nemazwi zvinoita mutsauko mukuru!

3. Taura nemwana wako.

Zvidzikise kumafungiro emwana wako kana uchitaura Nemwana wako. lva unotarisana naye mumaziso nekuva nemafungiro akanaka. lpa nguva yekuti mwana wako ave nemukana wekutaura. Ongorora, teerera, uye woratidza kuzwisisa mwana wako.

4. Tsigira zvakanaka.

Tsigira zvinogonekwa nemwana wako uchimurumbidza Nekudonongodza zvaanokwanisa pane kutaura zvaasingagone. Batsira vana pavanoda rubetsero chete. Kunyanya kuvabatsira hazvivape mukana wekugona kuzvimirira zvobva zvaita kuti vanzwe kunge vanonyengererwa.

5. Kumbira rubatsiro paunokwanisa.

Paungurirana mutoro nevamwe vabva zera mumhuri. Hausi wega! Ramba uchitaura nevanhu vanonzwisisa Mamiriro azvakakuitira. Panguriranai zvinonetsa, nezvauri kubudirira. Zvinowanikwa kunzwa kunetsekana, kukanganiswa nekutya panguva ino. Usazviomesere uye pota uchizororawo paunonzwa kuda!

6. Simbaradza zvaunogaroita.

Zvaunogaroita zvinoita kuti vana vanzwe kudekara nekusununguka. Gadzira maitiro ne zviitiko zvepazuva zvinozivikanwa Nemwana wako uchisanganisa zvaanofarira. Batsira mwana wako kuti ataure neshamwari ne mhuri panhare kunyora makadhi kana kugadzira mifananidzo. Ita kuti mwana wako agone kuzvisarudzira kuti anzwe ari anozvironga iye. Izvi zvinobatsira kunzwa kuzvigonera. Shandisa mutauro wakareruka uye zvinoda kuitwa zviri pachena nematauriro asina izwi kuti vana vanozvida (zvakaita se: kushandisa nhengo dzemuviri, mifananidzo nezvinoonekwa).

Zvapfuura Zvinotevera