Crowded Communities.png

Kuchengeta vana mu Dzimba ne Misha yakawanda

Kugara ne mhuri yakachengetedzeka ine hutano zvinonzwika zvakaoma kana muchigara munzvimbo dzakamanikidzika. lzvi ndizvo zvaungakwanise kuita.

1. Garai pamuri ipapo.

  • lta nguva yakatapudzwa inobudwa nekupindwa Mumba mako
  • Unongobva pamba uchifambira zvakashota chete sekutsvaga zvekudya kana kunoona vezveutano

2. Rovedzera muviri zuva rega rega.

  • Ita vana vafunge zvinobatika zvisingasanganisire vanhu vasiri vepamba. *Kusvetuka, kutamba, kana kumhanya vachitenderera zvinogona kunakidza!

3. Batsiranai pakuita basa.

  • Edzai kukamurirana mabasa epamba, kuchengeta vana, ne mamwe mabasa zvakaenzana mumhuri
  • Gadzira hurongwa nevamwe vakuru mumhuri hwe “nguva yebasa” ne “nguva yekuzorora”
  • Zvakanaka kutsvaga rubatsiro kana uchinetsekana uyezve uchida kumbozorora!

4. lta kuti kugeza maoko ne utsanana zvinakidze!

  • Zvinogona kunetsa kuwana sipo nemvura, asi zvakakosha kuva neutsanana hwakanaka, kunyanya mudzimba makawandwa umo utachiona neutenda zvinogona kufamba nyore nyore!
  • Edza kuti vese vemhuri vageze maoko
  • lta kuti vana vadzidzisane kugeza maoko
  • Wonesa vana kuti vasabate kumeso

5. Batsira vana vako nezve mukaha unosiiwa pakati pevanhu

  • Tsanagura kuvana vako kuti vane basa guru Rekuzvichengetedza pamwe nekuvavakidzani muutano hwakanaka kubudikidza nekuti panguva ino Vasuduruke kubva pane vamwe
  • Ratidza vana vako ruremekedzo kana vaedza kuchengetedza mukana unoda kusiiwa pakati pavo Nevamwe vanhu

6. Tura mafemo.

  • Kana uchinzwa kunetsekana kana kuvhiringika, tora nguva yekuzorora! Kunyangwe kutora mafemo rutatu zvinogona kuita mutsauko.
Learning through Play b.png

Tatenda nekuverenga! Enda paminongedzo iri pasi Wopakurawo pfungwa dzako nezve machengeterwo evana.

Zvapfuura Zvinotevera