Kunakidzwa uri Kumba
Heano mazano ezvekuita zvinonakidza uri kumba asi zvisingade zvakawanda!
Nyaya dzinoratidzwa nemufananidzo
- Funga nyaya yaunofaririra kunzwa kana kuteerera. Unokwanisa kuva yeshuwa, yechinyakare, kana yawazvigadzirira.
 - Funga zvakakosha zvakaitika zvitanhatu, kusanganisira kutanga nekupera.
 - Peta kabepa katanhatu. lsa mifananidzo mitanhatu yezvakakosha mumabhokisi.
 
Tsvaga Nhetembo
- Swera zuva rako uchiterera zvinhu zvaunoda sekunzwa vanhu vachitaura. Nyora mazwi acho pasi aunonzwa.
 - Gadzira nhetembo nekuisa mazwi nemitsetse zvese nehurongwa hwaunoda.
 
Chiringo Chemufaro
- Unganidza mameseji ese akanaka anotaura nezvehupenyu kubva kumabhuku awakaverenga. Wedzerawo zvaunofunga pamameseji akanaka aya. - Nyora meseji imwe neimwe pabepa woisa muchirongo.
 - Makuseni ese tora mitsetse kubva kuchirongo chako woverenga kana kuverengera vamwe.
 
Shandisazve
- Tsvaga magazini rakudhara, bepa rine mavara akasiyana, kana zvidhende.
 - Zvicheke kuita tumasikweya tudiki woita centimita rimwe.
 - Gadzira mufananidzo nokubatanidza masikweya aye kuitabepa rimwe.
 
Fungidzira Nzvimbo Yakanaka
- Tsvaga nzvimbo munharaunda menyu.
 - Fungidzira zvingaite kuti ive nzvimbo yakanaka.
 - lta mufananidzo kuratidza zvawaona.
 
Fungidzira chinhu chaungadzira
- Funga nezve dambudziko raunosangana naro mazuva ese. Rinokwanisa kuva rakakura kana kuti risiri.
 - Fungidzira chaungagadzira kuti ripere.
 - Gadzira mufananidzo wezvawafungidzira. Nyora pasi zvawafunga kuti vamwe vazonzwisisa.
 
Ziso reshiri neziso retsikidzi
- Fungidzira kuti nzvimbo yemunhauranda yakaitasei uchishandisa maziso eshiri iri kubhururuka kana kuti yakagara kumusoro kwemuti. Ita mufananidzo wezvaunenge waona.
 - Fungidzira nzvimbo iyoyo zekare uchishandisa maziso esvosve kana ngoko yakamira pasi. Gadzira mufananidzo wezvawaona.
 
Mafuremu emifananidzo
- Tsvaga hurungudo, mapepa, namo, chekutarisa nebepa renhau.
 - Batanidza hurungudo nechekutarisa womirira kuti zviome.
 - Cheka pakati pebepa wopashandisa sepikichafuremi
 
Average Rating: ☆ ☆ ☆ ☆ ☆ (0 reviews)