My Baby Sister 1

Mwana wedu mutsva

Mwana wedu mutsva inyaya yemwana ari kunetseka panguva yekunge amai vake vari kutarisira mumwe mwana mutsva.

Baya pano kuti uverengerwe bhuku rino Kana kuti dzika pasi uzviverengere.

If you cannot view the above video, you can instead download it.

My Baby Sister 4

Mudumbu mamhamha mune mwana. Kana mwana abuda, ndicharamba ndiri mwana wavo here? Mhamha vandiswededza pedyo navo, vandizevezera vachiti :“Usatye Tadi’

My Baby Sister 6

Mudumbu mamhamha mune mwana. Kana mwana abuda, baba vacharamba vachindida here? Baba vapuruzira musoro wangu vakati, “Ehe mwana ari kuuya, asi iwe tinokuda chaizvo”

My Baby Sister 8

Mudumbu mamhamha mune mwana. Saka mwana iyeye achandidawo here? Ndiri kudzidza chimbo chekuimbira mwana. Chimbo chacho ndechekufara nekutamba kwatichaita. Ndichaimbira mwana nguva dzese. Rudo rwedu ruchakura zuva nezuva.

My Baby Sister 10

Mudumbu mamhamha mune mwana. Ko sei vari kuenda kuchipatara? Gogo vanondipukuta misodzi neruoko rwavo Vanondivimbisa kuti tichatenga michero patinoenda kunoona mhamha. Maranjisi, mabanana, namapulamu. Michero inonaka chaizvo.

My Baby Sister 12

Mwana wedu auya kumba. Ko ari kuitei mudhishi rangu? Mwana wedu anofarira kugeza. Anofarira kupupuma kwesipo. Ndiri kutamba naye ndichimuimbira. Amai vamupukuta vakamupfekedza zvinodziya.

My Baby Sister 14

Mwana wedu ari kuchema. Saka ndiani achatamba neni? Amai vati, “Tadi huya titambe. Huya tiite chero zvaunofarira. kutamba, kusvetuka, zvese zvaunoda.” Baba vari kunyararidza mwana.

My Baby Sister 16

Takanga tiri vatatu, asi iko zvino tave vana: Mhamha, baba, mwana wedu, neni Mwana achatamba neni. Basa rangu nderekubatsira zvese nekutamba nemwana. Tese tiri mhuri inofara.

My Baby Sister 20
Zvapfuura Zvinotevera