My Village Life_Shona 1

Nhapitapi kumusha

Nhapitapi kumusha inyaya inoburitsa hupfumi nerunako rwuri muhupenyu hwekumusha – mhuri, vabereki, ngano, zvekudya, shamwari, mhuka nezvipfuyo.

Baya pano kuti uverengerwe bhuku rino Kana kuti dzika pasi uzviverengere.

If you cannot view the above video, you can instead download it.

My Village Life_Shona 4

Kukurigo-rigo! Ndinomuka kana jongwe rarira. Kwayedza, yave nguva yekuenda kuchikoro.

My Village Life_Shona 6

Ndinonzi Nyasha. Ndinogeza, kukwesha mazino, nekupfeka yunifomu nebhutsu dzangundega. Imba yedu yekugezera iri kunze, saka ndinoona zuva richibuda.

My Village Life_Shona 8

Baba vanondiperekedza kuchikoro mazuva ese. Munzira, tinosangana neshamwari dzangu, Rudo naThabo naTendai. Tinofamba tichiimba nziyo dzinosetsa.

My Village Life_Shona 10

Mwaka wega wega tinowana michero mitsva mumiti. Nhasi tiri kutapirirwa nemango. Tiri kuseva, muto wemango uchiyerera.

My Village Life_Shona 12

Nhasi tadzidza nezvezvipembenene. Taseka kuti nyamututa anogadzira bhora rendove.

My Village Life_Shona 14

Pakuenda kumba tinonakidzwa. Nhasi taumba mhuka dzemavhu. Gudo raRudo ranga richisetsa.

My Village Life_Shona 16

Ndinomhanyira kumba kunobvisa yunifomu. Ndinodya sadza nemuboora unonaka.

My Village Life_Shona 18

Ndinoenda kunotinha mbudzi, mombe nemadhongi edu. Mbudzi iyo ine bhero inonzi Pepe.

My Village Life_Shona 20

Manheru tese tinodziya moto. Tese tinoimba nziyo dzaambuya. Tichiteerera ngano dzavo.

My Village Life_Shona 22

Ndave kurara. Panze nyenyedzi dziri kuti tai tai. Kazhinji ndinoona nyenyedzi dzichimhanya… Ndinofarira kugara mumusha wedu.

myvillagelife24
myvillagelife25
My Village Life_Shona 28
Zvapfuura Zvinotevera