Runako and Tino_Shona 1

Runako and Tino

Shamwari mbiri dzepamwoyo ibhuku rekuti imi nemwana wenyu muverenge mese. Inyaya yehushamwari hwechokwadi, rudo nekugashirwa kwemwana ane husope – uyo akangofananawo nevamwe vana vese.

Baya pano kuti uverengerwe bhuku rino Kana kuti dzika pasi uzviverengere.

If you cannot view the above video, you can instead download it.

Runako and Tino_Shona 4

Ini ndinonzi Tino. Runako ishamwari yangu yepamoyo. Runako zvinoreva chinhu chakanaka. Ndinofunga kuti hakuna anosekerera saRunako pasi pese.

Runako and Tino_Shona 6

Dzimwe nguva anondisunda kuenda mudenga pamuzuwerere. Ndaisimbotya, asi iko zvino handichatyi.

Runako and Tino_Shona 8

Tinofarira kutambira panze. Ini naRunako tinoita makwikwi ekuona anobatirira kwenguva yakareba asingadonhe. Unofunga kuti ndiani anokunda mumwe?

Runako and Tino_Shona 10

Pamwe ndinombopesanisa bhutsu dzangu Runako anoti kunonzi kupfeka “bhanana”. “Hona Tino, wapfeka bhanana zvakare.” Tese tinoseka kusvika maziso edu ave kubuda misodzi, uye mbabvu dzave kurwadza.

Runako and Tino_Shona 12

Tisati taenda kunodzidza, tinomboti mudenga, pasi, mudenga, pasi tiri pamujigu. Tese tinonyanyofarira kuenda mudenga.

Runako and Tino_Shona 14

Rimwe zuva bhero pararira ndakamhanyira panze. Aaaa nhai, ndapfeka bhutsu dzangu bhanana zvakare. Ndakarangarira zvandakadzidziswa naRunako. Asi iye Runako ari kupi?

Runako and Tino_Shona 16

Unoziva kuti ndakaona ani pandakadzoka kunotamba? Runako!! Akanga andiisira keke pandinogara. Rakanga riri bhavhadhe rangu!

Runako and Tino_Shona 18

Runako akandimbundira akati, “Ndafunga zvekukushamisa pabhavhadhe rako nekeke.” Amai vake vakandibikira keke rechokoreti randinofarira zvikuru. Runako akanga aronga zvekundishamisa.

Runako and Tino_Shona 20

Takagara pasi tikadya keke. Takafara. Bhavhadhe rangu rakandifadza zvikuru. Asi mazuva ese anondifadza, nekuda kweshamwari yangu yepamoyo Runako.

Runako and Tino_Shona 24
Zvinotevera