Kuchengeta vana mu Dzimba ne Misha yakawanda
Kugara ne mhuri yakachengetedzeka ine hutano zvinonzwika zvakaoma kana muchigara munzvimbo dzakamanikidzika. lzvi ndizvo zvaungakwanise kuita.
1. Garai pamuri ipapo.
- lta nguva yakatapudzwa inobudwa nekupindwa Mumba mako
- Unongobva pamba uchifambira zvakashota chete sekutsvaga zvekudya kana kunoona vezveutano
2. Rovedzera muviri zuva rega rega.
- Ita vana vafunge zvinobatika zvisingasanganisire vanhu vasiri vepamba. *Kusvetuka, kutamba, kana kumhanya vachitenderera zvinogona kunakidza!
3. Batsiranai pakuita basa.
- Edzai kukamurirana mabasa epamba, kuchengeta vana, ne mamwe mabasa zvakaenzana mumhuri
- Gadzira hurongwa nevamwe vakuru mumhuri hwe “nguva yebasa” ne “nguva yekuzorora”
- Zvakanaka kutsvaga rubatsiro kana uchinetsekana uyezve uchida kumbozorora!
4. lta kuti kugeza maoko ne utsanana zvinakidze!
- Zvinogona kunetsa kuwana sipo nemvura, asi zvakakosha kuva neutsanana hwakanaka, kunyanya mudzimba makawandwa umo utachiona neutenda zvinogona kufamba nyore nyore!
- Edza kuti vese vemhuri vageze maoko
- lta kuti vana vadzidzisane kugeza maoko
- Wonesa vana kuti vasabate kumeso
5. Batsira vana vako nezve mukaha unosiiwa pakati pevanhu
- Tsanagura kuvana vako kuti vane basa guru Rekuzvichengetedza pamwe nekuvavakidzani muutano hwakanaka kubudikidza nekuti panguva ino Vasuduruke kubva pane vamwe
- Ratidza vana vako ruremekedzo kana vaedza kuchengetedza mukana unoda kusiiwa pakati pavo Nevamwe vanhu
6. Tura mafemo.
- Kana uchinzwa kunetsekana kana kuvhiringika, tora nguva yekuzorora! Kunyangwe kutora mafemo rutatu zvinogona kuita mutsauko.
Tatenda nekuverenga! Enda paminongedzo iri pasi Wopakurawo pfungwa dzako nezve machengeterwo evana.