Learning through Play.png

Kudzidza mukutamba

Batanidzai vana venyu nevati samhukei kubudikidza nemitambo iyi inobvira kuzvinobatika kuenda mukutaura ngano kusvika kumitambo yemazwi ezviito. Mitambo mizhini iyi inokwanisa kutambwa panze uye haina zvimwe zvishandiswa zvinodiwa.

MITAMBO YEKUPFAKANYIKA

1. Mutambo Wekuomesa Mutezo

Ridzai mumhanzi kana mumwe anogona kuimba rumbo vamwe vese vachitamba. Mumhanzi ukamira, munhu wese anofanirwa kuomesa mutezo. Uyo anopedzisira kuramba achitamba ndiye achava mutongi muchikamu chinotevera.

2. Mutambiro wekunge Mhuka

Zvimwe chete nezviri pamusoro asi panomira rwiyo,daidzirai zita remhuka, ne munhu wesewo obva aita semhuka iyoyo.

3. Mufananidzo

Teedzerai mataridzikiro, mafambiro, mitsindo yeumwe neumwe. Mumwe anotanga ari mutungamiri ozo tsiviwawo ne umwe. Zviedzei zvekare pasina vano tungamirira!

4. Zip Zap Zop

Vana vanofanirwa kusvetuka ne kurova maoko vachiti “ZIP”, vonongedzera mumwe ari mudenderedzwa. Anongedzerwa anofanirwa kusvetuka achirova maoko Onongedzerawo umwe achiti “ZAP” . Uyo anezenge Anongedzerwawo anoitawo zvimwechetezvo ozotiwo “ZOP” . Maitiro iwayo anotaura izwi risiro kana kukanganisa mutambiro (anotadza kusvetuka kana kuzengurira kwekanguva).

5. Ndiani Mutungamiriri?

Gadzira mutorododo wemutambisiriwo wemuviri. Ltai mutambiro mumwe chete kwechinguva, kuti vayaruka nevana vadiki vakwanise kuona nekuteedzera. Mifananidzo inosanganisira: Kuita seuno woneka nemaoko ese akasimuka kudarika musoro wako, wozonobata zvigunwe zvekumakumbo, kumira negumbo rimwe chigunwe cheraka simuka chonongedzera kudenderedzwa. Sarudzai anozvipira mobva mamuti ambosuduruka pane zviitiko kwekanguva kana kuti otendeuka nekubva avhara maziso ake. Sarudzai umwe ati yarukei/ mwana mudiki kuti ave “mudzidzisi” mutsva. Vati yarukei/vana vadiki vari mudenderedzwa ngavateedzere maitiro emudzidzisi mutsva. Vari pakati pekudaro itai mudzidzisi mutsva adzokorore mudenderedzwa. Wekuzvipira uya ngaachidza kufunga kuti mudzidzisi ndeupi, anogona kupiwa mikana yakawanda yefungidziro kusvikira apa minduro yakakodzera yemudzidzisi.

6. Rangarirai Mafambiro Angu!

Munhu mumwe chete anotanga mutamno nekuratidza vamwe matambiro kana mafambiro, kungave kutsindira pasi nemakumbo, kusvetuka memhepo, kana kupidiguta mudenderedzwa. Munhu ari kurudyi kwake ngaatedzere matambiro aanenge achiita, ozoitawo ake matambiro aitwa nevaviri vekutanga ozoitawo ake matambiro, zvichingoenda zvichidaro, kusvikira munhu wese awana mukana wake. Vayaruka/ vana vadiki ngavedze kupera vese kupedzisira anenge aine matambiro akawanda aitwa ekuyeuka.

7. Chikwata Mamiriro acho

Pakutanga kwemutambo unobvunza vati yarukei/vana Vadiki kuti vatenderere mumba vachivheesa maoko Avo nekunyevenutsa misoro nemitsipa yavo. Mushure me zvikamu gumi-kusvika gumi nemashanu zvema sekondi uchasheedzera izwi. Vese vati yarukei/vana vadiki vanofanirwa kuzviita mifananidzo inotsanangura izwi. Vese vati yarukei/vana vadiki vanofanirwa kuomesa mitezo pasina anotaura, uye kumirazvinoratidza ichocho kakawanda. Dzokorora chiitiko ichocho kakawanda. Mamwe mazwi ekushandisa anosanganisira: kunakirwa, dzungu, kufarira, kuneta.

8. Kutamba neBepa

Tanga chiitiko nekupatsarunisa vati yarukei/ vana vadiki kuita zvikwata zveviri. Vavirivanofanirwa kumira pabepa rimwe. Tsanangura kuti muchiitiko vati yaruke vanofanirwa kutambira pabepa ravo. Kana umwe wavo akatsika pasi panopfuura kumupendero Kwebepa nhau neimwe nhengo yemuviri wake achitamba, vaviri ivavo vanobva vaburitswa mumutambo. Tanga kuridza mumhanzi. Shandisa chimwe chezviridziswa zviriko, zvakaita serunhare mbozha, dzimudzangara kana kuridza maoko, kana kuti chikwata chese chinoimba rumbo pamwe chete. Mira kuridza mumhanzi mushure me masekondi makumi matatu kana makumi mana nemashanu. Tsanagurira vati yaruke/ vana vadiki kuti vachipeta mapepa avo nepakati. (Vanga vachibva havo pama pepanhau kuti vakwanise kuzviita). Zvino vochikwanisa kutsika pamapepa avo zvekare. Tanga kuridza mumhanzi zvekare, nekukumbira vati kurei/ vana vadiki kuti vatangekutambazve vari muzvikwata mushure memasekondi anosvika makumi matatu, misa mumhanzi. Chikumbira vati kurei kuti vapete pepa ravo nepakati zvekare mobva masimudzira nemumhanzi pamwe nekutamba.

KUTAURA NYAYA

Learning through Play a.png

1. Taurira vana vako nyaya yepahudiki hwako

2. Taura Nyaya

Gadzira nyaya itsva. Sekuti: “Tiri kuda kugadzira nyaya, mutsara nemutsara. Mumwe neumwe wedu achiwedzera mutsara kunyaya. “Tsanangura: Pkupedzisira kwemutsara, mukomana kana musikana anofanira kuti, “PAKAREPO….” Umwe anotevera kwavari osimudzira nemutsara mutsa, achipedzisa nekuti “PAKAREPO…” Unogona kuti, semufananidzo, “Ndainge ndichifamba kunochera mvura zvino PAKAREPO….” anotevera pandiri opedzisa mutsara uyu, anogona, kutoti”... Mhuka huru yakasvetuka ichibva mudondo zvino PAKAREPO…” Simudzarai mudenderedzwa renyu kusvikira munhu wese awedzerawo mutsara wake.

MITAMBO WEKUFUNGIDZIRA

Learning through Play b.png

1. Zvitatu Zvedi ne Nhema

Vati yarukei ngavanyore mazita avo, pamwe nenhoroondo ina pamusoro pavo pabepa guru. Tingati: “pabepa unonyora zvinhu zvitatu zvechokwadi pamusoro pako ne chimwe chete chenhema. Muenzaniso,’ Alfonse anofarira kuimba, anoda bhora, kutaura gumi remutauro ne kuda kutamba’. Ndechipi chimwe chenhema? Vati kurei vochiterera panzimbo nemapepa avo. Vosangana muzvikwata zvevaviri, voratidzana mapepa, nekuedza kuona kuti ndeipi yenhoroondo ina dziripo yemanyepo.

2. Fungira Ndini Ani

Kumbira vati yaruke vagare zvakasununguka pavanoda munzvimbo iripo. Ega ega ati kurei anofanirwa nebepa rekunyorera pamwe nechinyoreso. Umwe nomumwe ati yaruke ngaanyore zita remunhu ane mukurumbira pabepa rake. Woti: “Edza kufunga nezve mumwe munhu ane mukurumbira wekuita zvakanaka. Usataurire mumwe munhu zita remunhu ane mukurumbira uyu, uye kana uchinge waona ruumwe, usaita zita racho rekusheedzera! Uchatora mapepa ese vati yarukei vamire mumutsetse. Uchazonamira bepa kumusana weati kurei wese. Vati kurei vese havakwanise kuona mazita akanamirwa kumisana yavo. Basa ravo ndere kuti vazive kuti ndivanani vanoda kuti vatenderere mumba vachibvunza mibvunzo yekuti “ hongu” pamhinduro. Zvakadaro vanofanirwa kuchienda kunobvunza pane ari pamberi. Kana ati yaruke ofunga kuti ave kuziva kuti ndiani, anofanirwa kubvisa bepa riri kumusana, oriisa kumberu kwehanzu yake, nekubva anyorawo zita rake ipapo. Munhu iyeyo anenge ave kugona kuchibatsira vamwe kuti vazive ndivana ani.

Zvinotevera